Matthew 18

Mukuru paushe hwekudenga nezvigumbuso

1Nenguva iyo vadzidzi vakauya kuna Jesu vachiti: Ko ndiani mukurusa paushe hwekumatenga? 2Jesu akadanira kwaari mucheche akamumisa pakati pavo. 3Akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kana musingashandurwi mukava sevacheche, hamungatongopindi muushe hwekumatenga. 4Naizvozvo ani nani anozvininipisa semucheche uyu ndiye mukurusa muushe hwekumatenga. 5Zvino ani nani anogamuchira mucheche umwe wakadai muzita rangu anogamuchira ini.

6Asi ani nani anogumbusa umwe wevacheche ava vanotenda kwandiri, zvaiva nani kwaari kuti guyo guru risungirirwe kupoteredza pamutsipa wake, anyudzwe mukudzika kwegungwa. 7Ine nhamo nyika nemhaka yezvigumbuso! Nokuti kunodikanwa kuti zvigumbuso zviuye; asi une nhamo munhu uyo chigumbuso wachinouya naye! 8Zvino kana ruoko rwako kana rutsoka rwako zvichikugumbusa, uzvigure urase kubva kwauri; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri mhetamakumbo kana uri chirema pakuti une maoko maviri kana tsoka mbiri ukandirwe mumoto wekusingaperi. 9Kana ziso rako richikugumbusa, uridzure urase kubva kwauri; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu une ziso rimwe pakuti une meso maviri ukandirwe mugehena remoto.

10Chenjerai musazvidza umwe wevadiki ava, nokuti ndinoti kwamuri: Kumatenga vatumwa vavo vanogaroona chiso chaBaba vangu vari kumatenga. 11Nokuti Mwanakomana wemunhu wakauya kuzoponesa chakange chakarasika.

Gwai rakarasika

12Munofunga sei? Kana umwe munhu ane makwai zana, rimwe rawo rikarasika, haangasii here makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe, akaenda kumakomo kunotsvaka rakarasika? 13Kana zvikaitika kuti ariwana, zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Anorifarira kupfuura makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe asina kurasika. 14Saizvozvo hakusi kuda kwaBaba venyu vari kumatenga, kuti umwe wevadiki ava aparare.

Kutsiura vadariki

15Asi kana umwe wako akutadzira, enda umudzore pakati pako naye mega; kana akakunzwa, wawana umwe wako. 16Asi kana asinganzwi, tora umwe kana vamwe vaviri newe, kuti nemuromo wezvapupu zviviri kana zvitatu shoko rese risimbiswe. 17Kana asina hanya nekuvanzwa, uudze kereke; asi kana asina hanya nekunzwa kerekewo, ngaave kwauri semuhedheni nemuteresi. 18Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chipi nechipi chamuchasunga panyika, chichasungwa kudenga; uye chipi nechipi chamunosunungura panyika, chichasunungurwa kudenga.

Kunyengetera pamwe

19Zvekare ndinoti kwamuri: Kana vaviri venyu vakatenderana panyika pamusoro pechinhu chipi nechipi chavanokumbira, chichaitwa kwavari naBaba vangu vari kumatenga. 20Nokuti apo vaviri kana vatatu vakaungana muzita rangu, ipapo ndiripo pakati pavo.

Mufananidzo wemuranda asina tsitsi

21Zvino Petro wakauya kwaari akati: Ishe, umwe wangu uchanditadzira kangani, ndichimukanganwira? Kusvikira kanomwe here? 22Jesu akati kwaari: Handiti kwauri: Kusvikira kanomwe; asi: Kusvikira makumi manomwe akapamhidzirwa kanomwe.

23Naizvozvo ushe hwekumatenga hunofananidzwa neumwe mambo, wakange achida kugadzirisa zvemari nevaranda vake. 24Zvino wakati achitanga kugadzirisa zvemari, umwe akauyiswa kwaari wakange ane chikwereti chematarenda* gumi rezvuru. 25Asi zvaakange asina chaangaripa nacho, ishe wake akaraira kuti atengeswe pamwe nemukadzi wake nevana, nezvese zvaakange anazvo, kuti muripo uitwe. 26Naizvozvo muranda wakawira pasi, akamunamata, achiti: Ishe, ivai nemoyo murefu neni, ndichakuripirai zvese. 27Zvino ishe wemuranda uyo akamunzwira tsitsi, akamusunungura, akamukanganwira chikwereti. 28Asi muranda uyo wakati achibuda, akawana umwe wevaranda vaibata pamwe naye, wakange ane ngava kwaari remadhenario* zana; akamubata, akamudzipa, akati: Ndiripe zvaunofanira. 29Zvino muranda waibata pamwe naye akawira pasi patsoka dzake akamugombetedza achiti: Uve nemoyo murefu neni, ndichakuripira zvese. 30Asi iye haana kuda, asi wakaenda, akamukanda mutirongo, kusvikira aripa chikwereti. 31Zvino varanda vaibata pamwe naye vakati vachiona zvakange zvaitika, vakashungurudzika kwazvo, vakaenda vakaudza ishe wavo zvese zvakaitika. 32Zvino ishe wake wakati amudanira kwaari akati kwaari: Iwe muranda wakaipa, ndakakukanganwira chikwereti icho chose, nokuti wakandigombetedza. 33Ko newe hausaifanira kunzwira tsitsi here umwe muranda unobata pamwe newe, seniwo ndakakunzwira tsitsi? 34Zvino ishe wake akatsamwa, akamukumikidza kuvarwadzisi, kusvikira aripa zvese zvakafanira kwaari. 35Saizvozvo Baba vangu vari kudenga vachakuitiraiwo, kana musingakanganwiri umwe neumwe umwe wake zvitadzo zvavo nemoyo yenyu yese.

Copyright information for Shona